Socialite Jackie Ngarande has clapped back at Olinda Chapel for saying Sis Melly’s High Tea held yesterday in South Africa lacked etiquette.

Olinda said: “this isn’t about money as many try to remind me. It’s just about having etiquette that’s all. I would like to think even in your own homes you’d never.”

 

Ngarande was Sis Melly’s special guests. At one point she took off her heels to show off her Rhumba skills.

In a lengthy post Ngarande said Chapel should stop critising other people’s events beacause she is rich.

Below is what she said

Ndinoda kutora mukana uno kukuzivisai imi sevanhu , kuti kana uine mari ndeyako iwewe ,kwandiri kana kune mumwe munhu izuda haina chainotenga ufunge.Saka kugara muchiti yeuchidza vanhu kuti mune mari or kutiratidza mari yenyu hazvipedze nhamo dzedu uye hazvina zvazvinoshanda,mari yauinayo ndeyako iwewe ,kune vamwe izuda haina chainovabatsira kana chainotenga kunze kwekunge uchivapa kuti vabatsirikane.
Kugutsikana ndokunotiraramisa ,hatichive asi tinongoti Mwari pamunoropafadza vana vevamwe musatikanganwewo.

Zvenyu vapfumi vane mari isu tinoita yekutsvaga tichiishaya,we are living from hand to mouth here in Zimbabwe ,musatidadire nekuti atove masikati asi hatisati tatombodya zvemasikati
,vazhinji vedu tirikukwangwaya kuisa one meal per day kuno kuAfrica,Hatina masavings, hatina maInsurance ,hatina kana mari dzemunaTrustfunds,Vazhinji tirikutambura nenhamo our savings are in Ecocash and Ewallet ,ndipo pese ipapo,mafuneral policy takaregera kare kare kubhadhara Dai pasina Zororo-Phumulani Funeral Plan na Moreboys Munetsi taivigwa sembwa ,Mamedical aids ndoda 10 years ago chaidzo hatimakwanise kubhadhara ,Tikarwara tinonwa mishonga yechibhoyi ,vavakidzani vedu vanoshayawo sesu vanotipa mishonga nemapiritsi avainawoo kuti tinyaradze marwadzo,mapiritsi aya anenge akasiiwawo pavakarwara
Ndohupenyu hwatiinahwo ihwohwo.

Mukationa tichifara kuno kuAfrica on our lowbudget musazotishorawo kana kuti tarisirira pasi,kutoedza kupombodza nhamo Nematambudziko, Mukaona takapfeka hembe dzamati dzakachipa uye dzakashata tinenge tatopihwawo nevamwe kuti tisashame,hatina chatiinacho isu,Hongu takashata pachiso ,tinopfeka hembe dzekupuhwa nekusonesa,hatina grooming ,hatina exposure yekukwira ndege nekutengawo zvitsva tinopfeka hembe dzemubhero saka zvoitwa sei vadikani,
Kana muchikwanisa macereals tengai isu tinodya porridge yekunyikira ndoratiinaro,Kana muchikwanisa Jacob’s Coffee tengai mubike tea,Isu tinotemha makoni mashizha emusango tobikawo tea ,kana zvanetsa pasina masamba tinopisira sugar kugadzira masamba chikuru kupisa mudumbu.

Vanhu vanosiyana muhupenyu ,Kuwana kunosiyana.Kana muine rudo nevamwe vaudzei kuseri pekugadzirisa vagadzirise
,musavawisire pasi ,musavatarisire pasi, musavashore
,musatsondore mweya yavo neshungu ,Vanhuwo imimi munowanawo muri Vanhuwo,Sevana veZimbabwe kusimudzira kwedu kuchanetsa nemhaka yekuti tineruvengo nehutsinye chaizvo.Dai tadanana nekukurudzirana.

Kana paine anotengesawo Manual ye HIGHTEA ngaanditengeserewo vadikani zvakaoma kushorwa kudai,Tidzidzisei tizive.

Ndatenda hangu muswere zvakanaka
(Mota iyo handiyanguba yakangomirawo )